Galatians 3

Munhu anonzi wakarurama nerutendo

1Haiwa VaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu? 2Ndichochi chete chandinoda kudzidza kwamuri chekuti: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo? 3Ko muri matununu akadai? Makatanga muMweya, zvino mopedzisa munyama here? 4Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Zvakadaro pasinawo! 5Naizvozvo iye anokupai Mweya neanoita mabasa esimba pakati penyu, anozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo? 6Abhurahama sezvaakatenda Mwari, zvikaverengwawo kwaari kuti kururama. 7Naizvozvo munoziva kuti avo verutendo, ndivo vana vaAbhurahama. 8Nerugwaro, rwaona zviri mberi kuti Mwari anoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahama, ruchiti: Mauri marudzi ese acharopafadzwa. 9Naizvozvo verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahama wakatenda. 10Nokuti vese vemabasa emurairo vari pasi pekutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese asingarambiri pazvese zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti azviite. 11Asi zviri pachena kuti hakuna munhu anonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nokuti kunonzi: Wakarurama achararama nerutendo. 12Zvino murairo haubvi parutendo, asi zvinonzi: Munhu anoita zvinhu izvi achararama mazviri. 13Kristu wakatidzikunura pachakatukwa chemurairo, aitirwa chakatukwa isu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese wakaremberera pamuti; 14kuti ropafadzo yaAbhurahama isvike kuvahedheni muna Kristu Jesu, kuti tigamuchire nerutendo chivimbiso cheMweya. 15Hama, ndinotaura nemutoo wevanhu; kunyange sungano yevanhu yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi. 16Zvino zvivimbiso zvakataurwa kuna Abhurahama nekumbeu yake. Haarevi achiti: Nekumbeu dzako, sevanenge vazhinji, asi saanenge ari mumwe, anoti: Nekumbeu yako; inova Kristu. 17Ndinoreva ichiwo: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo ukazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti uite chivimbiso chive chisina maturo. 18Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa pachena Abhurahama nechivimbiso. 19Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri. 20Asi murevereri haasi weumwe, asi Mwari ndeumwe. 21Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nokuti dai pakange pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchibva kumurairo. 22Asi rugwaro rwakapfigira zvese pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda. 23Asi kusati kwasvika rutendo, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa kusvikira kurutendo rwaizozarurwa shure. 24Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nerutendo. 25Asi rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi. 26Nokuti mese muri vana vaMwari nerutendo muna Kristu Jesu. 27Nokuti mese makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu. 28Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume nemunhukadzi; nokuti imwi mese muri vamwe muna Kristu Jesu. 29Zvino kana imwi muri vanhu vaKristu, saka muri mbeu yaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechivimbiso.

Copyright information for Shona